Ezra 5

Tsamba yaTatenai kuna Dhariasi

1Zvino muprofita Hagai naZekaria muprofita, chizvarwa chaIdho, vakaprofita kuvaJudha vakanga vari muJudha muJerusarema, vakaprofita muzita raMwari akanga ari pamusoro pavo, Mwari waIsraeri. 2Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri naJeshua mwanakomana waJozadhaki, vakasimuka kuti vaite basa rokuvakazve imba yaMwari muJerusarema. Uye vaprofita vaMwari vakanga vanavo, vachivabatsira.

3Panguva iyoyo Tatenai, mubati wenyika yaiva mhiri kwaYufuratesi, naShetari-Bhozenai neshamwari dzavo vakaenda kwaari uye vakandomubvunza, vachiti, “Ndiani akakupai mvumo yokuvakazve temberi iyi uye nokumisazve masvingo aya?” 4Vakabvunzazve vakati, “Mazita avarume vari kuvaka imba iyi ndivanaani?” 5Asi ziso raMwari wavo rakanga rakatarira pamusoro pavakuru vavaJudha, uye havana kuvaregesa basa kusvikira nyaya iyi yaziviswa kuna Dhariasi uye mhinduro yake yakanyorwa yagamuchirwa.

6Aya ndiwo mashoko etsamba yakanyorerwa mambo Dhariasi naTatenai, mubati mhiri kwaYufuratesi, naShetari-Bhozenai, neshamwari dzavo, namakurukota vakanga vari mhiri kwaYufuratesi. 7Tsamba yavakatumira kwaari yakanga ina mashoko anoti:

Kuna Mambo Dhariasi:

Tinokukwazisai.

8Mambo ngaazive kuti takaenda kudunhu reJudha, kutemberi yaMwari mukuru. Vanhu vari kuivaka namabwe makuru uye vachiisa matanda mumasvingo. Basa riri kuitwa nokushingaira uye riri kupfuurira mberi nokukurumidza mumaoko avo.

9Takabvunza vakuru vavo tikati kwavari, “Ndiani akakupai mvumo yokuti muvakezve temberi iyi uye mumisezve masvingo aya?” 10Takavabvunzawo kuti mazita avo vainzi vanaani, tichiitira kuti tingonyora mazita avatungamiri vavo kuti tigokuzivisai.

11Iyi ndiyo mhinduro yavakatipa:

“Tiri varanda vaMwari wokudenga napasi, uye tiri kuvakazve temberi yakambovakwa makore mazhinji akapfuura, iyo yakavakwa namambo mukuru weIsraeri uye akaipedza.
12Asi nokuda kwokuti madzibaba edu akatsamwisa Mwari wokudenga, akavaisa mumaoko aNebhukadhinezari muKaradhea, mambo weBhabhironi, uyo akaparadza temberi ino akatora vanhu akavaendesa kuBhabhironi.

13“Kunyange zvakadaro, mugore rokutanga raSirasi mambo weBhabhironi, Mambo Sirasi akatema chirevo chokuti imba yaMwari iyi ivakwezve. 14Akabvisawo midziyo yegoridhe nesirivha yeimba yaMwari yakanga iri mutemberi yeBhabhironi, yakanga yatorwa naNebhukadhinezari kubva kutemberi muJerusarema akaiuyisa kutemberi yomuBhabhironi.

“Ipapo mambo Sirasi akaipa kumurume ainzi Sheshibhazari, waakanga agadza kuti ave mubati,
15uye akamuudza kuti, ‘Tora midziyo iyi uende nayo undoiisa mutemberi muJerusarema, uye ugovakazve imba yaMwari panzvimbo yayo.’ 16Naizvozvo Sheshibhazari uyu akauya akateya nheyo dzeimba yaMwari muJerusarema. Kubva pazuva iroro kusvikira nhasi yanga ichingovakwa, asi haisati yapera.”

17“Zvino kana zvichifadza mambo, ngavatsvakisise mumabhuku amadzimambo eBhabhironi kuti vaone kana Mambo Sirasi zvirokwazvo vakamboisa chirevo chokuti imba yaMwari iyi ivakwezve muJerusarema. Naizvozvo mambo ngaatizivise kuda kwake pamusoro penyaya iyi.”

Copyright information for SnaBDSC